We have decided to simplify Artificial Intelligence by writing in a mix of local languages and English. A lot of material on AI doesnt cover the historical perspective which is relatable to locals. So this article helps appreciate the bigger picture of AI. Where it came from and where it is going.
Forms of Communication
- Oral
- Written
- Visual
Idzi ndomhando dze communication ka idzi kubvira makare kare. Kutaura—Cave Paintings (zvinyorwa) uye kuwonana (Visual).
Typewriter Age: Ngatiitei fast track to the 80s and 90s uko tinowona ma type writers uye ma printing press emabhuku nema newspapers.
Ndeapi ma Weaknesses aivepo pa type writers?
- Size: Paiunganidzwa munda wema pages –makomo nemakomo
- Sharability: Waizoda Telegram kuti utumire kure nekuti ma typewriters aive mastand alone.
- Portability: Hawaikwanisa kufamba ne typewriter
- Audios & Visuals: Hawaikwanisa kuisa kubudisa kana kuisa ma audios or visuals mumapepa kana mabhuku agadzirwa
- Ruzivo: Kwaingove ne vashomanene vakadzidziswa type writing or kushandisa maprinting press
- Business Use: Vashomanene vaikwanisa kutenga typewriter yekunoshandisa kumba kutyper zvaunoda. Ma type writer aive epamabasa.
- Data Manipulation & Editing: Watyper zvainge zvavharana. Kuda kuzoisa magraph, ma formulas hazvaibuda pa typed papers.
Computer Age: Ma computer kwakuuya kuzogadzirisa ma problems aripamusoro apo. Asi haaikwanisa kuagadzirisa ese nezuva rimwechete.
Hardwares and Softwares kwaakuuya: Target market yekutanga ari ma governments and companies. Ma floppy disks—nemamwe maprinters achiuya. But painge paine dambudziko re CONNECTION. Company iriku Bulawayo neimwe ku Mutare zvobatanidzwa sei? Chekutanga kwaive kutumira ma disc nebhazi.
Internet Age: Hooyoo mubatanidzwa wema computers—Tava nema emails—tave nema websites. Ma computer avekutaurirana. Target Markets: Initially business, then next maconsumers …ma personals ndivo vakabva vawanda. Pastorage pakabva pauyawo Block Chain.
Smart Phones Age: Mobility yatambotaura kuti matypewriter hwaive hwungwanda ngwanda husingatakurike. Computer Age yakaunzazve ma laptops—but still it was a half done job. Smart Phones were the real deal.Kuisa muhomwe—kufamba nayo mumota, mundege etc
Smart Phones & Social Media: Vanhu vanofarira (Kutaura, Kunyora+ Kuwona (live visuals) Mukana uyu wakauya. No more mazibepa to file (storage), connection iripo zvekare to many online people.
Ruzhinji rwevanhu vakabva vazara kumasmart phones kupfuura nguva yema typewriters and personal computers. Maphones kuvanhu—tinowona ma companies achiita mashoma—asi vanhu vari mavhu nemarara. Maiwona change in strategy ka apa?
Artificial Intelligence Age: DURA
Ngatitaurei pamusoro pe Dura. Kubva kuna 2000-2026: Data rawaisa pa computer rakawanda sei? Ku college uchinyora ma thesis, kubasa, paphone, pa Social Media. Maphotos, ma videos, machats. Facebook, PaTwitter, Whatsapp, Youtube nemamwe maplatforms. Saka data rese waiisa unoti raiendepi? Data reseriripa Google—rongoraswa? Wainge uchiisa mudura.
Ukuwo innovations in saving data such as clouds.
Artificial Intelligence Age: Dzoka Mushure Tichienda Mberi
Woti ndikutemwa nemusoro mapiritsi andigade ndeapi? AI inokuvhunzisisa kuti wakatanga riinhi, nemimwe mivhunzo—yozokupa mhinduro. Mhinduro yaiwanepi? Dura, Dura,Dura
Woti gadzira musambo we reggae pa Sumo—yotogadzira. Yazviwana kupi? Dura, Dura, Dura
But Dura iri rine malimitations. Takuda zvinotumika—Taakuda ACTION. Uye taakuda HUPOROFITA—gore rinouya zvichange zvavapapi panyaya yekunaya?
Post yedu yazodzoka yakurisa—ruregerero kwamuri. Last paragraph iyo inoda kudzokorodzwa.
Murare zvakanaka.
![]()











